Ishe Taungana

Lyrics

ISHE taungana
Muno mumba yako,
Uya newe zvatapinda,
Ishe mberi kwako.

Iyo mwoyo yedu
Inokurwarira,
Nayo mweya yedu Ishe
Inokutarira.

Hurukuro dzako
Baba ngatidzinzwe;
Razarurwa dama rako
Newe ngatikunzwe.

Ngautigadzire,
Isu vanhu vako;
Kana tafa, tipinzewo
Kune denga rako

Hareruya
haa hemen,
Hareruya
hemeni,
Hareruya
Hareruya
Hareruya
Hemeni